Thursday, September 26, 2013

Tinashe Muchuri reads Ignatius Mabasa's new novel


Bhuku: Imbwa yemunhu
Rakatisikiswa neBhabhu Books mugore ra2013
Munyori: Ignatius Tirivangani Mabasa
Vhenyenguro: naTinashe Muchuri

Kutenga/to buy: +263772278171
Sezvo zvichinzi murume haadonhi netsvimbo imwe, Ignatius Mabasa adzoka netsvimbo yake yetatu kuzoruka tswanda yamazano kune vane nzeve dzinonzwa dzichiturira pfungwa dzichichengeta.

Nekumwe kutaura zvinonzi potsi kana piri haarwirwi, asi tatu. Akapotswa netsvimbo yekutanga yainzi Mapenzi neyepiri yainzi Ndafa Here, neiyi yetatu inobuda nemumharidzo yake iyo yakaumba nganonyorwa inonzi, ‘Imbwa yemunhu’ haangapotswi zvakare nedama rakanaka.  Munyaya Imbwa Yemunhu mune murume anonzi Musavhaya, kana kungoti Musa muchidimbu, uyo anoti ane kusasimba pamberi pedoro nezvipondamwoyo izvo zvinosakisa kuti ade kuroora mudzimai wemuridzi anonzi, Juli. Murume waJuli anonzi Richard anoita zvemadhiri achisiya imba yake ichidhirika. Nyaya inotenderera zvakanyanya pavaviri ava vanoti, Musa naJuli kunyange zvayo ichizopota ichipinda muhupenyu hwavamwewo vanhu, vehukama, vekukereke pamwe neavo vaisanganikwa navo munzvimbo dzokutandarira dzakaita sedzekumwira nedzimwewo dzakangadaro.

Imbwa Yemunhu, ibhuku rinoburitsa pachena umhizha hwaMabasa hwekuda kuyanika pachena matambudziko anowanikwa navanhu zuva nezuva mukuedza kuraramira nyika nezviri mairi. Izvi zvinojekeswa pachena neapo Musa anobatsirwa namai vake pamwe nemukoma wake kuroora Hazvi, asi iye asina rudo kana hanya naHazvi. Anogozviitira kufadza hama dzake nenyika inomuseka. Richardwo anozviita apo anoroora Juli kuti angova chishongo chepamba pake kwete mudzimai wake. Izvi zvinoratidza kuti vanhu vanoramba vakabatirira pazvinhu zvinoodza mwoyo yavo vachitya kuti vanhu vanozotii. Kukungura ndiyo hwaro hwebhuku raMabasa idzva iri.

Chiiwo chinobuda mukukungura? Juli anokungura kuti dai akawana zvake murume anenge Musa asi iye atova pamusha paRichard, Hazvi anokungura kuti dai asina zvake kugara aziva baba vake, Richardwo anokungura kuti dai akagara asina kubvuma kutengeserwa nhamo dzenyika achinyeperwa achinzi ndirwo rugare, mudzimai wemutungamiri wenyika anokungura kuti dai murume wake akabvuma kupinza vaRungu basa rekumuchengetedza ingadai asina kusangana naMusa kugehena, Simon Chimbetu anokungura kuti kudai mazuva ayo aive panyika akawanawo mukana wekuudza vanhu nezvekukosha kwaMwari, mukoma waMusa, Hamu anokungura kuti kudai asina kumbobvira aroorera Musa, Hazvi, zvinova izvo zvakaita kuti azonyara Musa atiza muchato. Chinombove chii chiri kuita kuti vanhu vose ava vakungure kukungugra nokukungugra?

Imbwa Yemunhu ine nyaya dzekukundikana, kushaya simba rekurwisa zvinorema kana zvimwe zvinhu vanhu zvavakazvisarudzira voga. Musa ane nhamo nekurega doro. Ukamubvunza kuti wakamanikidzwa here kunwa doro unonzwa achiti haana. Musi waatanga kurinwa rakamuvavira asi haana kumborirega zvake. Akaramba achishingirira kusvika zvino ava chikorwa chedoro, asisagoni kurisiya. Nhamo yekuzvitsvagira! Mune zvakare rudo rwekunyepera, rudo rwechokwadi. Mune kurambana kabisira. Mune umbwa, kusuwa, kuchema, kurwadziwa, huroyi, hudhakwa, hupfambi, uye nzara yehupenyu huzere nemufaro.

Mabasa akagona kuruka rungano urwu kuti muverengi aone kufunga kunoita munhu muhupenyu hwake. Kufunga kuya kusiri kwekunyepera asi kuya kwekuti uchiverenga bhuku unosvika naMusa pane dzimwe nzvimbo dzaakasvika nokuti wakambodzisvika, kana kuti uchiri kutotandarirako. Unochema naye nokuti zvinomurwadza zvakambokurwadzawo. Unobva wafungawo nhamo inowanikwa navana vanomanikidzwa kuroorwa navarume vavasingadi nokuti mumhuri mapinda nhamo. Unoona nhamo inowanikwa navanasikana yekubatwa chibharo navabereki vavo. Unowana nhamo inowira madzimai kana asina kuroorwa apo vanenge vongozvipotsera kuti chero vangoitawo murume, kwete nokuti vanomuda asi kungoti vangovewo nemunhu anonzi murume wavo nyika isavaseka. Zvose zvichiitwa mukuda kufadza nyika, seapo Hazvi anodemba achiti dai Musa angobvuma hake kuti ave murume wake. Zvakare unoona kushata kwenyaya yekubhinywa apo Hazvi anoshaya kuti otaura kuti chii kana asangana naMusa semukomana nemusikana vanodanana. Kuti tingati Hazvi aiona Musa sababa vake avo vakamubhinya?

Imbwa Yemunhu rinofumura zviito zvehama dzepedyo zviya kana mumusha maita ngarara. Vanoisiya yakadaro sekusiiwa kwakaita baba vaHazvi apo vainge vabhinya mai vake. Mai vake vakatya rufu rwekutyisidzirwa izvo zvakaita kuti zvakare mwana wavo azosangana nedambudziko seravo. Kudai mai vaHazvi vainge vadura bhinya iri ingadai neimwe nguva Hazvi asina kuzosangana netsaona yaakasangana nayo, kukungura.

Chinonakidza mubhuku iri iro rinova renyaya yaMusa nokutsvaka kwake Mwari, harina kuita sedzimwe mharidzo dzatinoti kana waiona woti, munyori anopenga, sei achida kuti nditevere kereke yaanopinda? Iri bhuku rakanyorwa nenzira yokuti wese munhu anotsvaka Mwari atsvake nokuwana Mwari ari mukereke chero ipi zvayo yaanopinda. Juli aipinda Roma, asi Musa anomukurudzira kuti awane Jesu Kristu ari mukereke yeRoma iyoyo. Iyewo hake Musa ainge awana Mwari pacrusade yakaitwa nekereke yeAFM asi haasi kuti munhu wese amutevere ikoko. Izvi zvinoita kuti bhuku iri rinakidze kune vose vanotsvaka humambo kwekudenga muhondo yavo yekurwisana nemadhimoni akavamonera.

Muno buda zvakare hondo ine munhu apo anenge achirarama panyika. Hondo nemweya yakaipa iyo inoburitswa samadhimoni kana vanhu vachienda kukereke dzechiKristu asi zvichivawo mweya yetsvina kuchinamato chechivanhu. Izvinodura pachena kuti hapana munhu ari murugare. Munhu wese panyika ari muhondo. Hondo yekuda kusiiwa neizvo zviri kumumonera. Izvo zvacho zvinoita kuti mudhara Bhobho acheme kana achinzwa rumbo runoti, ‘Shauri yako.’ Nokuda kwehondo dzatinadzo muhupenyu uye kugona kurukwa kwakaitwa rungano urwu iri ibhuku rinogona kuverengwa nemunhu wese zvake zvisinei kuti unoenda kukereke kana kuti hauendi. Nhamo dziri mubhuku iri dzinobata munhu wese uye mibvunzo inobvunzwa naMusa mibvunzo inobvunzwa nemunhu wese mupenyu kana yasvika nguva yekutaura nezvemweya.

Uchibata bhuku iri unotambirwa nemufananidzo uri pabutiro wembwa yakasuwa, ine kumeso kunenge kwemunhu. Imbwa ine chiso chinenge chemunhu? Zvinoreva kuti kana munhu akachengeta imbwa pamba pake inogona kupedzesera yava savatenzi vayo kana kuti munhu ndiye anopedzisira ava sembwa yake. Zvinogona kuva sakiso Musa achizorota ari mukati meimbwa zhinji mubhawa kwaChikwanha, agokwira mukombi inembwa, agoona mutambo wembwa, imbwa dzavaporofita dzinorwerwera rute imbwa dzechikadzi, apo anozoti, ‘Humbwa nehumbwa pamusoro pehumbwa.’

Chidobi chinoshandiswa naMabasa chekurota pamwe nehupenzi chinoita kuti asazvisungirira pamanyorere nemafungiro ake. Chidobi chinomupa kodzero dzekupinda munzvimbo dzinonzi pavi dzisingagonekwe kusvikwa neruzhinji rwavanhu kana rusiri kurota kana kupenga. Nzvimbo dziya dzinonzi kumazivandadzoka apoteyo manhenda akadzoka, asi iye anosvika achidzoka asina kana kavanga zvako. Chidobi ichi chinoburitsa kunaka kwekurota uye kupenga. Hakuna anorambidzwa kurota uye hapana anogona kuzvirambidza kurota ari pane dzimwe nzvimbo dzaasingagoni kusvika masikati kwakachena. Kurota kunopa munyori kutambanuka mundangariro dzake achinobata pavi. Ndizvowoka chakatendera Musa kunosvika kugehena uyewo neuko anozopiwa mwoyo waMwari uzere nerudo nehunyoro, kanawo apo ano batana maoko nemudzimai wemutungamiri wenyika vasina kupfeka. Kurota kana hupenzi hazvina matyira. Kunokufananidzwa nehutungamiri hwegwara regutsaruzhinji, iya inonzi dhemokirasi pachiRungu. Hakuna muganho. Kunopa munyori gonero yekutaura twese twaanoda mukutsiura pamwe nekuyambira. Ndiroka basa remunyori.

Chimwe chinobuda murungano urwu kunyora nemutauro uyo asingaiti makwikwi nawo, achishandisa kutaura kuriko mazuva ano, kwakaita sekuti, ‘ndeipi yako,’ nemamwe akadaro. Izvi zvinoita kuti uwone humhizha hwemunyori. Zvakare ruzivo rwakashandiswa kusanganisira mashoko ana nyanduri, vaimbi nezvemubhaibheri zvinobva zvabudisa pachena matauriro anoita vanhu vechiShona apo vanenge vachitaurirana nyaya. Ndiyani angazorega kutevera rungano runopa kudyidzana kwemunhu nenharaunda yake, tsika yake pamwe nehupenyu hwake hwezuva nezuva uhwo anenge achiedza kusiyana nahwo kuti atwasuke? Kushandisa ruzivo runowanikwa munharaunda yeZimbabwe senziyo dzavaimbi vakaita sanaJames Chimombe, Simon Chimbetu, navamwe vakadaro uyewo mazita avamwe vanhu vanorarama muhupenyu hwedu akaita sanaOliver Mutukudzi, Memory Chirere, nevamwe vakadaro, zvinokurudzira kuparadzirwa kweruzivo rwevamuZimbabwe kupasi rose. Chinova chidovi chakanaka kudyidzana nepfungwa dzavamwe mukuumba uvaranomwe.

Murungano umu Mabasa anotokonya pfungwa dzomuverengi kuti azvitarire aone uye agozvibvunza kuti handina kufanana naMusa kana vamwe vatambi vari mubhuku iri here? Handisi imbwa yemunhu here? Ndirikutandanisa mufaro here kana kuti nhamo? Ndiri kutevera chokwadi chichandipa mufaro here kana kuti ndiri kutevera kusuwa? Upenyu chii? Imbwa yakatsamwa here kana luti yakapfava asi ichizotsenga matovo? Zvinongoda kuti munhu azviverengere ega agozvionera ega kutapira kwerungano urwu.

Bhuku iri rinosimbaradzwa nemitsara iri apo Musa naSekuru veMabvuku vanoona mumwe mupostori achiteremuka achisvetukasvetuka kubva mugomo ndokusvikomira pavari achiti kuna Musa, ‘Muchinda ndine nyaya yako.’ Musa obva ati, ‘Taurai henyu.’ Sekuru vanozoti asi newe wave kupenga here muzukuru?’Chiregai ndizorore ndisati ndava imbwa yemunhu.

+ Tinashe Muchuri is a Zimbabwean author, journalist and storyteller.

No comments:

Post a Comment