Sunday, December 13, 2015

Tinashe Muchuri's debut novel-Chibarabada now out


blurb:  Dai uri mumwe, dai waverenga zvako bhuku rino. Chibarabada chaTinashe Muchuri chinoendesa mberi-mberi chaizvo novhero reZimbabwe. Chinotangira panoperera mamwe manovhero eZimbabwe atinoziva. Chinodzika chaizvo nenyaya yaShingi neyaFreedom neyako neyangu. Chibarabada chauri kubvunza, chinwiwa chinobikwa muchivande chozongobudiswa panguva yokunwa. Chibarabada chinoona zuva musi wekupedzisira. Unoona vanhu vopukuta miromo nekunze kweruoko vachitaura kunge vange vaina tateguru nezuro manheru. Nyaya yavari kutaura ndeyokuti tiri kungotenderera. Tiri kutenderera nekufashaira mudumbu rechibarabada nokuti kwatakabva kune nyaya. Kana kwatinoenda kune nyaya zvakare! Saka tinoramba tichitenderera nokuti nyangwe kuzorora kunotityisa. Unozorora sei usati wawana mhinduro nedonhodzo? Ngatirambe tichitenderera nokuti pamwe tingaone nzira yokubuda nayo mubotso ratiri kutamba kudai. Dambudziko redu ndere nhafu, kuba nekungoramba kunzwa mirairo yakanaka yepasi rino.
Chibarabada chaTinashe Muchuri itambo inoradanuka pabhobhiri. Pamwe – rungano rwatsuro nagudo. Pamwe-rwiyo rwepasichigare. Pamwe-kakova kaunonzwa kachirira murima kachirovera pamatombo kachifashuka kachidzika kugungwa isu tichisara tine nyota. Pamwe-ibembera rinoita kuti umbocheuka kuti: hapana here andiona ndichiverenga Chibarabada? Verenga chete nokuti ndiro basa rasara… Verenga! Usacheme!
published by Bhabhu Books, Harare, 2015
edited by Ignatius Mabasa
++ (For copies phone: +263 733843455)