Sunday, July 23, 2017

'sermon' on the mount

Memory Chirere reading (from Tudikidiki) to a writing workshop audience on top of Chisiya Hill, Zvishavane 2016, October.

Friday, July 7, 2017

Munhu WekuZimbabwe (an extract) by Memory Chirere

Memory Chirere


Kutsvodana kwamuri kuita uku matumwa namufundisi saizvozvi

kwatuma zvakawanda mukati kati mangu iniwo pachangu.

Ndatanga kuvhura mapeji zviya zvinoita vanopengeswa nefundo.

Kutsvodana kwamuri kusimbirira imimi vanhuwe

kwaita ndizwe kuti heya zviye neniwo ndinotoriwo nenyama

neropawo mukati umu zvinopisa samaware masikati aGumiguru?

Muchitotsvodana zvenyu pavanhu zvitsvene tsvenewo saizvozvi

ndotoonawo muchiringwa chero nebete riri pakati perwendo

richitomira kuti riringe iro risati rasvika kuchengo kwariri kuenda.

Muchitosainawo henyu mubhuku rerudo ketekete nepenzura saizvozvi

zvaita kuti nditi heya pasi pano pachiri kuitwa zvibvumirano nhai

zvisinei nekupopoma kwemvura murwizi kana kushaika kwayo?

Ndichidhidha mumazwi emanja anorohwa nevanhu muchitsvodana

ndaramba ndichiona sendakafa kare asi ndichimupenyu kudai

kunge ndiri kutonderwa nevaye vaye vaimbenge vari panyika!

Muchitsvodana kudai matumwa namufundisi anenge gondo

ndatonzwa inzwi rehupenyu hwangu kuti rashoshoma seremushamarari

werwiyo rwusina mudaviri kubva ndaita sendiri kurota pamambakwedza.

Ehe, ndayambuka ndokuona kakokorodzi kapwa hako sekusina kunaya.

Hapasi ipo here apa pataidhidha vakomana nevasikana, ndabvunza?

Ndadairwa nani? Vanhu vemazuvano vachaziva mibvunzo nemhinduro?

Kuita zvako sewakashanya asi uchiri munyika yaamai nababa.

Ndozowana pakadzikira mujecha kuti ndichere nemawoko nyore nyore

kuti ndibate mvura yepasi ndinyavise huro yangu yangoti papata.

Ndadzoka ndokuwana muchitotsvodana ndobva ndaita chadzimira

sezvinoitika ndichimhoresana neshamwari inobva kare kare kwazvo

yobva yanditarisa nepamusoro pehope yangu yashanduka nekurarama.

Ndobva ndatoda kuziva kubva kushamwari iya yakare kuti

dzichiripo kare nzvimbo dziya dziya taienda tose paupwere?

Kusatoziva zvangu kuti chinosara kwenguva ndefu muhwezva

wemhuka ichienda ichimhanya kekupedzisa iro bara riri muhudyu.

Mukati kufa nekushanya zvakanyanyosiyana here nhai veduwe?

Kana zvimapepa zvandainyora sejaya inga wani zvine ingi

asi inenge yanezuro kupenya kwayo ichidudza mazwi andaiveza

ndotoona mazwi andainyora sejaya ndichionawo kupinza

kwainge kwakamboita njere dzangu ndisate ndave kungotenderera saizvozvi.

Pfungwa dzangu dzaimbenge dziri banga chairo rinocheka nyama.

Munzeve ndodzinzwa nziyo dziya dzataiimba vadzidzisi vakabata shamhu

mabhazi achidarika nemutara aine migoro netswanada newaya nemagejo

nemadhiramu kana nembudzi pamusoro pawo akananga kuDande!

Heya muchiripo imi vachati? Muchiri kungotsvodana pamberi pevanhu?

Munozivawo here nhai vana imi kunyura kwezuva madeko richiti

tsvuu sechaimbove chiropa vafudzi vachiti tsiyo tsviyo zvimiridzo

vachindovharira mazimombe anodai kugwedaira setsikombi isingavhevheke?

Heya muchiri kutovsodana zvenyu nanhasi?

Ndanga ndaenda kwandakamboenda nemotokari yangu yandaive nayo

apo tangi rangu ndainge ndazadza ndichienda kusina mapurisa.

Dai kuri kungopera kwemakasa andaichovha zvaive nani.

Uku kupera kwepeturu ndisati ndapedza mitunhu yandaifanira kupedza.

Ehunde, ndiri kunzwa tsvodo dzenyuka idzodzo

nekuyeuka kuti ndigere pano newandakawanana naye gochanhembe

musati mazvarwa nekuti vaizokuzvaraiwo ndivo mazera angu inini.

Mufunge, tichiri vapenyu nekuti hapana kana akafa!

Zvakare kune mbeu dziri kubuda muvhu nyoro riri panze apo

nekuti kuchine zuva rinokudza kana zvinhu zvakaringana saizvozvi.

Ahiwee, penzura yangu yave kupota ichitsvedza iyi!

Ndichazvirega izvozvi zvekungogaronyora izvi

imi muchingotsvodanawo chete muchiroverwa maoko nemhomho

inosanganisira vabereki venyu nehama neshamwari vasinganyare kutarisa.

Naivo havazive kuti tsvodo kusveta derere here kana kuti kuridza muridzo?

Vanenge vanofungawo kuti tsvodo ndirwo rudo nerudo itsvodo.

Dai pfungwa dziri badza dai ndatodirovera padombo mundima ino

kuti rimwe ivhu ridonhe ndiwane kucheka pasi nyore nyore izvozvi

nekuti benzi rino ndizvo zvarinogona chete zvekurima nebadza repfungwa.

Hezvo, muchiriko here uko vachati? Idi, munenge munodanana imi!

Dai ndanga ndauya nekabhotoro kangu ndamboti ka kuti ndidzoke.

Vana ndakabara nemusha ndikavakawo asi ndinoramba ndichinzwa

sekunge ndiri chidzenga chakazvarwa chembere dzabva kudoro.

Ungati hapanawo chandati ndapa vanhu kuti vatambirewo

nemawoko kuti vachengete pakanaka pasingasvike zhizha nechando.

Yaita zvayo mvura yauya kuzodzima tsoka dzako nedzangu.

Njombo dzangu pamukova weimba isina munhu mukati umo

ichapupu chekuti paimbove nemunhu aipfeka chinhu kugumbo.

Chokwadi shoko rose randakataura kupfumbuka here seutsi?

Mati ini ndiende kundosangana neuma here nhaimi vanhu?

Imi musingamire zvenyu kutsvodana matumwa naiye mufundisi?

Muchandipei kuti ndigozoramba ndichikuyeukai kwandinoenda?

Tsvoda aiwa nekuti inoenda nemuridzi wayo ndichisara ndiri ndega.

(naMemory Chirere from Munhu WekuZimbabwe (forthcoming))